Nhambetambe nemwise wavasekuru

Nhambetambe nemwise wavasekuru Shona poetry inspiring human lives

02/05/2022

GWENYA

Makwenya anemazera kune anoshandiswa kubatidza zvigusvani zvefodya,
Koita anonakidza moto wekubikisa doro rengome nechifurumedha,
Zvose zvinopangidza kuti munh iguruva uchafa ,
Asi zvinomuuraya ndozvisina maturo.
Mbanje ,Doro nemadhirigora ka bute zvose hapana kutungana kwembudzi nekuvaraidza nguva yemakuva anofamba panyika.

Panevanofara nezviro izvo ,
Dai paiwanikwa anoungudza mariro aJeremiya chaiwo asi chakagonda chakasvika kubvuta mavari uchenjeri mukasara upenzi,
Mbengo ndodzizere mumusoro asi dima ndorakakwidibira ,
Usiku kwadzinodambugwa makumbo dzomanyira ikweyo .

Mamwe magwenya ndeekuisa moto munharbozha inouraya musha nemufananidzo yana Jezebheri vanoti mvura yekuba inhapitapi nana Uri vanoti kumwa matsime evamwe ndibwo umhare.

Mamwe ndoanoisa moto mumishina inobika nhambarefu dzeddzana Jezebheri nana Uri vachiumburudzana mudopiro midzonga yakashashikwa pachena zvinoonenwa nemunhu wese ,
Votengesera vana veIsreri vanodarika nemupata weSh*timu kuti vagonopomba vachikanganwa wakavatakura pamapapiro egondo kubva munyika yeuranda wechivi ,
Icho chaive chakavondonga nekutapa miviri yavo ,
Joko reuranda vanoroda ,
Ishe akavhura maoko ake anoti huyai nemanoko enyu ndikupei zorororo .

Kana mapiwa majoko akareruka motakurirwa nashe joko rekuredza vamwe vachiri muuranda,
Gwenya nenharembozha zvoshanda kuredza vose varimativi mana enyika,
Vauye ,vapinduke vagoponeswa,
Hana dzenyu dzicharova kana mamuka kubva gope riri kumeso,
M***a zvakakuputirayi mozvinzwira tsisi,
Gwenya rerimi romoto ropisa nhengo dzose dzakavodzwa nechivi,
Honye padzinodonha mosara magezwa motarisana nezuva guru rekuridzwa kwetsuri nekubwinya kukuru kwemuuya kwashe wedu Jesu mambo wedu.

RODZAPFUNGWA
NA D. T MUGOVA

02/05/2022
White is the measurement of Holiness to go to heaven.
02/05/2022

White is the measurement of Holiness to go to heaven.

"As AFRIKANS, Let's stop thinking that by doing white weddings we are doing God a favor. White wedding is Western White culture. It's as cultural as African wedding."

~Maponga Joshua III

Russia is intensifying the attack.
02/05/2022

Russia is intensifying the attack.

CCTV footage shows Russia used Kh-59M Ovod Stand off Air Launched Cruise Missile for the first time since beginning of operation in Ukraine. The missile was captured on CCTV as it was travelling to the targets in Novomoskovsk. . The 115 km range Kh-59M series stand off weapon evolved from the earlier rocket powered Kh-59 (AS-13 Kingbolt) missile. it is designed to arm Flanker fighter variants.The most prominent design change is the installation of a ventral RDK-300 turbojet sustainer in a pod similar to the design in the Kh-55 cruise missile, replacing the rocket sustainer and its side mounted exhaust nozzles. . Its guidance system consists of an automatic navigation and control system which takes the weapon to the target's area. A nose mounted TV-sensor relays target area imagery to the launch airborne platform and the pilot selects the impact point. A bi-directional data link allows the pilot to select the impact point and re target with the missile already in flight.
Z☆🇷🇺

01/05/2022

Beauty and Nudity have sent many ladies in marriage, but Character is sending them back.

Human beings have degraded themselves below the level of the brute animals yet the Bible describes them as intelligent a...
08/04/2022

Human beings have degraded themselves below the level of the brute animals yet the Bible describes them as intelligent animal beings??

Microchips ,
Hot iron brandings
Ear tags,
Nose rings
Are all applied to humans to beautify themselves with piercings, tattoos, nose rings ,Earings , navel rings, cl****is' rings , l***a rings etc ; humans have turned themselves to strange animal species and i pray ,God forbid.

04/04/2022

SHOKO REMUFI

Gina naClareta sarai mugarike vanangu,
Ini ndazorora ndisina kutauira mapundu andakabvisa muura hwangu , sumbu nepfumbi zvandanga ndakaviga mudundundu rangu,
Ndakasekwa naNyadenga kuti ndapuwa nyamutumburisi ndokufa achibayiwa nebanga paNjuga achigwira bhachi raaive abeja naro,
Uku imi maive svava umwe makore mashanu , uyuvo mana ndaita goremwana.

Handina kuwana zororo musana waibayiwa nezvinayamahure posepose uku muzongoza waivara uchipepeta kuti ndiwane mari yeChikafu neyechikoro chenyu,
Asi ndakafira futi sesvosve,
Nyika hayina kundida ,
Ndakave Maibetse kune vose vaive nyota, bonde vaiwaridzira kwangu,
Nhasi ndazosvika pakuzorora vachange vachiimba kuti," kutibira Mai Betse chokwadi here, Tsime remukadzi muSamaria raimwira svimbo dzose , maeutse eSvimborume nengavi aisariramo. Tofa nenyota nhai veduwe."

Uru rudzi rwakatukwa ndakabisa mapundu mudumbu,
Mwari ave nemi asi tichadyiwa nehonye tose makarindigwa,
Nguva ichakudanai kana mazuva enyu panyika erugare rwejuungudza apera, wakaberekwa nemukadzi une mazuva mashoma ekuita zvisina maturo nekudya nyikanhivi asi kana hupengo hwapera mbengo idzi dzinodyiwa nehonye,
Muchadawira kuti mazuva embiya deznyu achitapudzwa maiiteyi panyika.

NHAMBETAMBE NEMWISE WAVASEKURU.
NA D MUGOVA.
MWARI AVE NEMWI.

04/04/2022

NDUDZI YAKATUKWA II

Indudzi yakatukwa iyi,
Kukoshesa zvitunha nemarinda kudarika vapenyu vanorarama,
Kukoshesa mashoko emufi kudarika aakataura achiri mupenyu,kunutengera Bhokisi rinodhura rakagadzigwa negoridhe,
Ndokumuvinga mubwiro rakafukidwa nedombo rinoita zvuru makumi mashanu emadhora ekuAmerica asi arimupenya aifamba nemhapa neshashiko achisekwa kunzi iwo makwanda seegwaya rachembera mutsoka, man'a acho anomaka nepasi petsoka kuita seachanyora ndipeiwo shangu.

Vaivona magumbu akapfeka vaingoti hokoyo kouyisa mutandi webotso, kuripira zvaakaita kuriva mai,
Hameno ngozi yaakaitwa neekwavo yavasina kuripa,
Izvo kwani kutamba nhova nenhamo,
Vana vari mhiri kwemakungwa,
Apa ivo kuti vavapedzisise zvidzidzo zvavo zveA'Level Ginah naClareta ,Vaipuriswa nyemba nemusana madhora makuni mashanu usiku nesikati,
Vachiti ndiyarutse modzi dzangu dzemapudzi mbiri idzi zvimwe ndichayamurika mberi ndozoridzawo musana,
Asi nhasi vonhonga svose nemuromo uku musana wakafa muzongoza hauchatambi,
Vorarama seiko nhai vedu👸
Kugeza koramba vogara vachipfirira chikaragwa mumaoko vokanda mudota pachoto, hakuna uchada kuavika pedyo.

Nguva yakatagwa nemuumbi wehari yakwana ndopavakazorora ,Ginah naClareta vakauya vachimisa mapango emotokari nekutsvaira nharembozha dzokudhura,
Ndopavapiwa mashoko akataugwa nemushakabvu ,
Mhere kwetsu asi zvichabatsirei?
Chakakosha imharadzano kwete masanganiro,
Ropa harikundi rudo mufunge zvenyu

RODZAPFUNGWA
PADZINOVANGWA MUDENHE RENHETEMBO MUNHAMBETAMBE NEMWISE WAVASEKURU.
NA D . MUGOVA.

04/04/2022

NDUDZI YAKATUKWA I

Chakakosha hayisi nzvimbo yakamakaonana, kusangana kana kuita chibvumirano kana magariro enyu pakutanga kwehupenyu hwese hamaive mose,
Chakakosha maparadzanirano amaita pamharadzano dzenzira yeupenyu hwacho,
Pamharadzano apa ndopanooutsika switsa, zvibvumirano nekumera ruvengo,
Pamharadzo ndopanoperera mushandirapamwe nekuuya kwamadzongonyodze.

Makasangana kukereke mukazotemana nemashanhu pabasa,
Makachata mukereke murume akazokurova neChiwepu mukamuri romukati iwe ukamupisa nemafuta akavidzwa akaputika nzeve ndiye sarai.

Makasangana pandari muchimwa ngome umwe mukatengerana doro, usahwira hwenyu ukamuka ipapo asi mavekuvaka umwe ari muvaki umwe mukanyi wedhaka hazvina kuzopera mushe morovana nemafoshoro umwe anyudziwa mari,
Tsemu nepakati pemusoro ,uruzvi waya-aa ndiye sarai mugute.

Ukasha hwaMukoma Joe hwaive hwasara vachitsvaga pokurasira ndokutora shupi pabhawa repaHuruyadzo ,
Uku aive akadhakwa ,nyengu asina kutavira ndomumuka akazara majuru pasvimbonyoro,
Hazvina kuzopera mushe abve kunorapwa Kuchipatara kwaMuneri.

Hazvina kukosha kusangana ,Chakakosha mapardzirano amunozoita pamharadzano,
Nzira dzinogona kutukana ,
Mopesana pamaonero,.umwe oenda kusingadzokwi.

RODZAPFUNGWA
Nhapitapi munhambetambe nemwise waVasekuru. Na D Mugova.

Address

Tebogo Street
Mamelodi

Alerts

Be the first to know and let us send you an email when Nhambetambe nemwise wavasekuru posts news and promotions. Your email address will not be used for any other purpose, and you can unsubscribe at any time.

Contact The Business

Send a message to Nhambetambe nemwise wavasekuru:

Share